-
1 Corinthians 9
- 1 Handisi muapositori here? Handisi wakasununguka here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imwi hamusi basa rangu muna Ishe here?
- 2 Kana ndisiri muapositori kuna vamwe, asi zvirokwazvo ndiri iye kwamuri; nokuti mucherechedzo wevuapositori hwangu ndimwi muna Ishe.
- 3 Kuzvidavirira kwangu kune vanondinzvera ndeuku.
- 4 Hatina simba here rekudya nekumwa?
- 5 Hatina simba rekutenderera nehanzvadzi mudzimai sevamwewo vaapositori, nevanin'ina vaIshe naKefasi here?
- 6 Kana ndini ndega naBhanabhasi tisina kodzero yekusashanda here?
- 7 Ndiani anomboshanda muchiuto achizviripira mubairo? Ndiani anorima munda wemizambiringa, ndokusadya zvechibereko chawo? Kana ndiani anofudza boka akasadya zvemukaka weboka?
- 8 Kuti zvinhu izvi ndinozvitaura semunhu? Kana murairo hautauriwo izvozvo here?
- 9 Nokuti kwakanyorwa mumurairo waMozisi kuti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Kuti Mwari ane hanya nenzombe?
- 10 Kana anoreva zvirokwazvo nekuda kwedu? Nokuti kwakanyorwa nekuda kwedu, kuti anorima anofanira kurima mutariro, neanopura mutariro yake, kugoverwa mutariro.
- 11 Kana isu takadzvara kwamuri zvinhu zvemweya, chinhu chikuru here kana isu tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?
- 12 Kana vamwe vachigovana kodzero pamusoro penyu, isu hativadariki here? Asi hatina kushandisa kodzero iyi, asi tinoitira moyo murefu zvese, kuti tirege kupa chipinganidzo kuevhangeri yaKristu.
- 13 Hamuzivi here kuti avo vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanodya zvetembere, vanorindira paaritari vanogovana nearitari here?
- 14 Saizvozvo naIshe wakaraira kuti avo vanoparidza evhangeri, vararame neevhangeri.
- 15 Asi ini handina kushandisa chimwe chezvinhu izvi; uye handina kunyora zvinhu izvi kuti zviitwe saizvozvo kwandiri, nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife, pakuti umwe ashaise kuzvikudza kwangu maturo.
- 16 Nokuti kunyange ndichiparidza evhangeri, handina chekuzvikudza nacho, nokuti faniro yakatakudzwa pamusoro pangu; asi ndine nhamo, kana ndisingaparidzi evhangeri.
- 17 Nokuti kana ndichiita chinhu ichi ndichizvidira, ndine mubairo; asi kana ndisingadi, ndakabatiswa utariri.
- 18 Ko mubairo wangu chii? Kuti kana ndichiparidza evhangeri ndiite kuti evhangeri yaKristu isabhadharwa, kuti ndirege kushandisa kodzero yangu zvakapfuurikidza muevhangeri.
- 19 Nokuti ndakasununguka kune vese, ndizviite muranda kune vese, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.
- 20 Uye kuVaJudha ndakava semuJudha, kuti ndiwane VaJudha; kune vari pasi pemurairo seari pasi pemurairo, kuti ndiwane vari pasi pemurairo;
- 21 kune vasina murairo seasina murairo (ndisati ndiri asina murairo kuna Mwari, asi mumurairo kuna Kristu), kuti ndiwane vasina murairo;
- 22 kune vasina simba ndakava seasina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvinhu zvese kune vese, kuti ndiponese vamwe nemitoo yese.
- 23 Uye izvi ndinoita nekuda kweevhangeri, kuti ndive mugovani pairi.
- 24 Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vese, asi umwe anogamuchira mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.
- 25 Uye umwe neumwe anokwikwidza anozvidzora pazvinhu zvese; zvino ivo vanozviita kuti vagamuchire korona inoparara, asi isu isingaparari.
- 26 Naizvozvo ini ndinomhanya saizvozvo kwete seasina chokwadi; saizvozvo ndinorwa kwete seanorova mhepo;
- 27 asi ndinotsikirira muviri wangu nekuuita muranda, kuti kana ndaparidzira vamwe, ini ndomene ndisaraswa.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.