-
1 Corinthians 12
- 1 Zvino maererano nezvipo zveMweya, hama, handidi kuti musaziva.
- 2 Munoziva kuti maiva vahedheni muchikweverwa kuzvifananidzo mbeveve, sevanotungamirirwa.
- 3 Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu anotaura neMweya waMwari anoti: Jesu ndichakatukwa; uye hakuna munhu angati: Jesu ndiIshe, kunze neMweya Mutsvene.
- 4 Zvino kune marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndeumwe.
- 5 Uye kune marudzi akasiyana eushumiri, asi Ishe mumwe.
- 6 Kune marudzi akasiyana emabasa, asi ndiMwari umwe, anobata zvese mune vese.
- 7 Asi umwe neumwe anopiwa kuratidza kweMweya kune zvinobatsira.
- 8 Nokuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo, neMweya iwoyu;
- 9 nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune umwe zvipo zvekuporesa, neMweya iwoyu;
- 10 nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe chiporofita, nekune umwe kupatsanura mweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi;
- 11 asi izvi zvese Mweya iwoyu umwe unozviita, unogovera umwe neumwe pachake sezvaanoda.
- 12 Nokuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yese yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri ndeumwe; wakadarowo Kristu.
- 13 Nokutiwo neMweya umwe isu tese takabhabhatidzirwa mumuviri umwe, kana VaJudha kana VaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; tesewo takanwiswa paMweya umwe.
- 14 Nokutiwo muviri hausi mutezo umwe asi mizhinji.
- 15 Kana rutsoka rukati: Nokuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi harwusi rwemuviri here?
- 16 Nenzeve kana ikati: Nokuti handisi ziso, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi haisi yemuviri here?
- 17 Dai muviri wese waiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wese waiva kunzwa, kunhuhwidza kungadai kuripi?
- 18 Asi zvino Mwari wakagadza mitezo, umwe neumwe wayo, pamuviri, sezvaakada.
- 19 Asi kana yese yaiva mutezo umwe, muviri ungadai uri kupi?
- 20 Asi zvino mitezo mizhinji, asi muviri umwe.
- 21 Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe.
- 22 Asi zvikuru kwazvo mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba zvikuru, inodikanwa;
- 23 naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka ine runako rwakawedzerwa;
- 24 asi yedu ine runako haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, apa rukudzo rukuru kune yaishayiwa,
- 25 kuti parege kuva nekupatsanurana pamuviri; asi mitezo ichengetane zvakaenzana.
- 26 Uye kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yese inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yese inofara pamwe nawo.
- 27 Zvino imwi muri muviri waKristu, nemitezo, umwe neumwe.
- 28 Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana-siyana.
- 29 Vese vaapositori here? Vese vaporofita here? Vese vadzidzisi here? Vese vanoita mabasa esimba here?
- 30 Vese vane zvipo zvekuporesa here? Vese vanotaura nendimi here? Vese vanodudzira here?
- 31 Asi shuvai zvipo zvakanakisisa. Uye ndichiri kukuratidzai nzira yakanakisisa zvikuru.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.