-
1 Corinthians 5
- 1 Zvinonzwikwa chose kuti upombwe huripo pakati penyu, uye upombwe hwakadaro husingataurwi kunyange pakati pevahedheni, zvekuti umwe ave nemukadzi wababa vake.
- 2 Asi imwi munozvikudza, uye pachinzvimbo chaizvozvo hamuna kuchema, kuti wakaita chiito ichi abviswe pakati penyu.
- 3 Nokuti iniwo zvirokwazvo, sendisipo pamuviri, asi ndiripo pamweya ndatogura zveuyo wakaita chiito chakadai ichi, sendinenge ndiripo,
- 4 muzita raIshe wedu Jesu Kristu, maungana nemweya wangu nesimba raIshe wedu Jesu Kristu,
- 5 kukumikidza wakadai kuna Satani mukuparadzwa kwenyama, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe Jesu.
- 6 Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa mukanyiwa wese?
- 7 Naizvozvo sukai kwazvo mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvamusina kuiswa mbiriso. Nokuti nepasika yedu yakabairwa isu, iye Kristu.
- 8 Saka ngatichengetedze mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yekuipa nekutadza; asi nechingwa chisina mbiriso chakatendeka nechechokwadi.
- 9 Ndakakunyorerai mutsamba kuti musafambidzana nemhombwe;
- 10 asi kwete zvakazara nemhombwe dzenyika ino, kana nevachivi, kana nevapambi, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro zvingafanira kuti mubude munyika.
- 11 Asi ikozvino ndakunyorerai kuti murege kufambidzana, kana munhu achiidzwa hama ari mhombwe, kana muchivi, kana munamati wezvifananidzo, kana mutuki, kana muraradzi, kana mupambi; musatongodya newakadai.
- 12 Nokuti ini ndinei nekutongawo vari kunze? Imwi hamutongi vari mukati here?
- 13 Asi avo vari kunze Mwari anotonga. Uye dzingai wakaipa abve pakati penyu pachenyu.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.