-
Revelation of John 20
- 1 Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi yegomba risina chigadziko, neketani huru muruoko rwake.
- 2 Zvino akabata zibukanana, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore churu,
- 3 ndokumukandira mugomba risina chigadziko, ndokumupfigira, ndokuisa mucherechedzo pamusoro pake kuti arege kuzonyengerazve marudzi, kusvikira makore churu apera; zvino shure kweizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chidiki.
- 4 Zvino ndakaona zvigaro zveushe, uye vakagara pamusoro pazvo, kutonga ndokupiwa kwavari; ndikaona nemweya yevakange vagurwa misoro nekuda kweuchapupu hwaJesu, uye nekuda kweshoko raMwari, nevasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, kana kugamuchira mucherechedzo pahuma yavo, neparuoko rwavo; zvino vakararama vakabata ushe pamwe naKristu makore churu.
- 5 Asi vakasara vevakafa havana kuraramazve kusvikira makore churu apera. Uku kumuka kwekutanga.
- 6 Wakaropafadzwa uye mutsvene ane mugove pakumuka kwekutanga; pane ava rufu rwechipiri harwuna simba; asi vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachabata ushe pamwe naye makore churu.
- 7 Zvino panopera makore churu, Satani achasunungurwa kubva mutirongo rake,
- 8 zvino uchabuda kutsausa marudzi ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, avaunganidzire hondo; uwandu hwavo hwakaita sejecha regungwa.
- 9 Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba musasa wevatsvene neguta rinodikanwa; moto ndokuburuka kubva kuna Mwari uchibva kudenga ndokuvamedza.
- 10 Zvino dhiabhorosi wakavatsausa akakandwa mudziva remoto nesarufa, pane chikara nemuporofita wenhema, uye vacharwadziwa masikati neusiku kusvikira rinhi narinhi.
- 11 Zvino ndakaona chigaro cheushe chikuru chichena, newakange agere pamusoro pacho, iye nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.
- 12 Uye ndakaona vakafa, vadiki nevakuru, vamire pamberi paMwari, mabhuku ndokuzarurwa, nerimwe bhuku rikazarurwa, rinova reupenyu; vakafa vakatongwa kubva pane zvakange zvakanyorwa mumabhuku, zvichienderana nemabasa avo.
- 13 Zvino gungwa rakapa vakafa vakange vari mariri; nerufu negehena zvikapa vakafa vakange vari mazviri; umwe neumwe akatongwa zvichienderana nemabasa avo.
- 14 Zvino rufu negehena zvakakandirwa mudziva remoto; urwu rufu rwechipiri.
- 15 Zvino kana aripo asina kuwanikwa akanyorwa mubhuku reupenyu, wakakandirwa mudziva remoto.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.