-
Revelation of John 6
- 1 Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chemicherechedzo, ndokunzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti, senzwi remutinhiro: Uya uone.
- 2 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva wakange ane uta; korona ndokupiwa kwaari, zvino akabuda achikunda, uye kuti akunde.
- 3 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone.
- 4 Zvino kwakabuda rimwe bhiza dzvuku; newakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, nokuti vaurayane; ndokupiwa kwaari munondo mukuru.
- 5 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Zvino ndikaona, uye tarira, bhiza dema, newakange akaritasva wakange ane chiyereso muruoko rwake.
- 6 Zvino ndakanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti: Chiyero chezviyo nedhenario*, nezviyero zvitatu zvebhari* nedhenario; nemafuta newaini usazvitadzira.
- 7 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.
- 8 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newakange akaritasva zita rake Rufu; uye hadhesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika.
- 9 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yevakange vaurawa nekuda kweshoko raMwari, uye nekuda kweuchapupu hwavaiva nahwo.
- 10 Zvino vakadana nenzwi guru vachiti: Kusvikira rinhi, Tenzi, mutsvene uye wechokwadi, regai kutonga nekutsiva ropa redu pane vanogara panyika?
- 11 Zvino kwakapiwa umwe neumwe nguvo refu chena, zvikanzi kwavari vambozorora chinguva chidiki kusvikira vamwewo varanda pamwe navo nehama dzavo dzaiva dzoda kuurawa saivowo vakwaniswa.
- 12 Zvino ndakaona parakange razarura mucherechedzo wechitanhatu, uye tarira, kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye zuva rakasviba sesaga remvere, nemwedzi ukaita seropa;
- 13 nenyeredzi dzedenga dzakawira panyika, semuonde unowisa maonde awo eshure, uchizuzwa nemhepo huru.
- 14 Zvino denga rakabva serugwaro rwakapetwa; negomo rega-rega nechiwi zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
- 15 Nemadzimambo enyika, nevanhu vakuru, nevafumi, nevatungamiriri vehondo, nevane simba, nevaranda vese, nevakasununguka vese vakanozvivanza mumapako nemumabwe emakomo,
- 16 zvino vakati kumakomo nekumabwe: Wirai pamusoro pedu, mutivige pachiso chaiye anogara pachigaro cheushe, nepakutsamwa kweGwayana;
- 17 nokuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; zvino ndiani anogona kumira?
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.