-
Revelation of John 12
- 1 Zvino kwakaonekwa chiratidzo chikuru kudenga, mukadzi akapfeka zuva, nemwedzi uri pasi petsoka dzake, nepamusoro wake korona yenyeredzi gumi nembiri;
- 2 uye wakange ane pamuviri, akadanidzira achirwadziwa nemimba, uye achitambudzwa kupona.
- 3 Zvino kwakaonekwa chimwe chiratidzo kudenga, tarirawo, zibukanana ziguru zidzvuku, rine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamisoro yaro korona nomwe.
- 4 Zvino muswe waro wakakweva chetatu chenyeredzi dzekudenga, ndokudzikandira panyika; zibukanana ndokumira pamberi pemukadzi wakange oda kupona, kuti kana apona, agoparadza mwana wake.
- 5 Zvino wakapona mwana mukomana, wakange oda kufudza marudzi ese netsvimbo yedare; mwana wake ndokubvutirwa kuna Mwari nekuchigaro chake cheushe.
- 6 Zvino mukadzi akatizira kurenje, kwaakange ane nzvimbo yakagadzirwa kubva kuna Mwari, kuti vamuriritira ipapo mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu.
- 7 Zvino kukava nehondo kudenga; Mikaeri nevatumwa vake vakarwa nezibukanana, zibukanana ndokurwa rine vatumwa varo;
- 8 asi havana kukunda, uye nzvimbo yaro haina kuzowanikwa zvekare kudenga.
- 9 Zvino zibukanana ziguru rakakandwa, nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi uye Satani, anonyengera nyika yese; wakakandirwa panyika, nevatumwa vake vakakandwa pamwe naye.
- 10 Zvino ndakanzwa inzwi guru richiti kudenga: Ikozvino ruponeso rwasvika, nesimba, neushe hwaMwari wedu, neumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakandirwa pasi, anovapomera pamberi paMwari wedu masikati neusiku.
- 11 Zvino ivo vakamukunda neropa reGwayana, uye neshoko reuchapupu hwavo, uye havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu.
- 12 Naizvozvi farai, matenga nemwi munogara maari. Mune nhamo vagari venyika negungwa, nokuti dhiabhorosi wakaburukira kwamuri ane kutsamwa kukuru, nokuti anoziva kuti ane nguva diki.
- 13 Zvino zibukanana rakati raona kuti rakandirwa panyika, rakashusha mukadzi wakapona murume.
- 14 Zvino kumukadzi kwakapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanonoriritirwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, abve pauso hwenyoka.
- 15 Zvino nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo yakaita serwizi shure kwemukadzi kuti imukonzerese kukukurwa nerwizi.
- 16 Zvino nyika yakabatsira mukadzi, nyika ndokushamisa muromo wayo, ikamedza rwizi zibukanana rwarakabudisa mumuromo maro.
- 17 Zvino zibukanana rakatsamwira mukadzi, rikaenda kunoita hondo nevakasara vembeu yake, vanochengeta mirairo yaMwari, vane uchapupu hwaJesu Kristu.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.