-
James 5
- 1 Uyai ikozvino imwi vafumi, rirai muridze mhere nekuda kwematambudziko enyu anokuwirai.
- 2 Fuma yenyu yakaora, uye nguvo dzenyu dzakava dzakafusiwa.
- 3 Goridhe renyu nesirivheri zvava nengura; uye urari hwazvo huchava chapupu kwamuri, uye huchadya nyama yenyu semoto. Makazvichengetera fuma pamazuva ekupedzisira.
- 4 Tarira, mubairo wevaranda vakacheka minda yenyu, yakanyimwa nemwi nekunyengera, unodanidzira; nekuchema kwevacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo.
- 5 Makagara muumbozha panyika, uye makakarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sepazuva rekubaya.
- 6 Makapa mhosva, makauraya wakarurama; haakupikisii.
- 7 Naizvozvo ivai nemoyo murefu, hama, kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarira, murimi anomirira chibereko chinokosha chevhu, anochiitira moyo murefu, kusvikira chagamuchira mvura yekutanga neyekupedzisira.
- 8 Imwiwo ivai nemoyo murefu; simbisai moyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwaswedera.
- 9 Musanyunyutirana, hama, kuti murege kupiwa mhosva; tarira, mutongi amire pamukova.
- 10 Torai vaporofita semuenzaniso wekutambudzika, hama dzangu, newemoyo murefu, vakataura nezita raIshe.
- 11 Tarira, tinoti vakaropafadzwa vanotsungirira; makanzwa zvekutsungirira kwaJobho, uye makaona kuguma kwaIshe, kuti Ishe ane moyo munyoro kwazvo uye ane tsitsi.
- 12 Asi pamberi pezvese, hama dzangu, musapika, kana nedenga, kana nenyika, kana nekumwe kupika kupi; asi hongu yenyu ngaive hongu, uye kwete, kwete; kuti murege kuwira mukutongwa.
- 13 Kune umwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Pane anofara here? Ngaaimbe mapisarema.
- 14 Pane anorwara pakati penyu here? Ngaadane vatariri vekereke; uye ngavanyengetere pamusoro pake, vachimuzodza namafuta muzita raIshe;
- 15 uye munyengetero werutendo uchaponesa anorwara, uye Ishe achamumutsa; zvino kana akaita zvivi, achazvikanganwirwa.
- 16 Reururiranai zvivi, uye nyengetereranai, kuti muporeswe. Munyengetero wakasimba wewakarurama une simba zvikuru.
- 17 Eria wakange ari munhu wemanzwiro akafanana nesu, akanyengetera nemoyo wese kuti kusanaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu;
- 18 zvino wakanyengeterazve; denga ndokupa mvura, nyika ikabereka chibereko chayo.
- 19 Hama, kana umwe pakati penyu achitsauka kubva pachokwadi, umwewo akamudzora,
- 20 ngaazive kuti uyo anodzora mutadzi pakutsauka kwenzira yake, achaponesa mweya parufu nekufukidza zvivi zvizhinji.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.