-
Hebrews 4
- 1 Naizvozvo ngatitye zvimwe chivimbiso chekupinda muzororo rake chichiripo umwe wenyu aonekwe achitaira kuchisvikira.
- 2 Nokuti nesuwo takaparidzirwa evhangeri, sekwavariwo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, sezvo risina kuvhenganiswa nerutendo kune avo vakanzwa.
- 3 Nokuti isu vakatenda tinopinda pazororo, sezvaakareva achiti: Sezvo ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati: Havangatongopindi muzororo rangu; kunyange mabasa akange apedzwa kubva pakuvambwa kwenyika.
- 4 Nokuti wakataura pane imwe nzvimbo pamusoro pezuva rechinomwe sezvizvi: Mwariwo wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ese;
- 5 nepanozve: Havangatongopindi muzororo rangu.
- 6 Naizvozvo zvazvichipo kuti vamwe vachapinda mariri, uye vakatanga kuparidzirwa evhangeri havana kupinda nekusateerera,
- 7 anogurazve rimwe zuva, achiti: Nhasi, achitaura kubudikidza naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, sezvakwakataurwa, kuchinzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu.
- 8 Nokuti dai Joshua akange avapa zororo, haazaizoreva pashure peizvi pamusoro perimwe zuva.
- 9 Naizvozvo rasarirwa vanhu vaMwari zororo resabata.
- 10 Nokuti wakapinda muzororo rake iyewo wakazorora pamabasa ake, saMwari pane ake.
- 11 Naizvozvo ngatishingairire kupinda muzororo iroro, kuti kusava neanowira mumuenzaniso iwoyo wekusateerera.
- 12 Nokuti shoko raMwari ibenyu, uye rine simba, uye rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, uye rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nemweya, nepemafundo nemongo; uye mutongi wendangariro nezvinangwa zvemoyo.
- 13 Hakunawo chisikwa chisingaratidziki pamberi pake; asi zvinhu zvese zvakashama uye zvakazarurirwa meso aiye watinozvidavirira kwaari.
- 14 Naizvozvo zvatine mupristi mukuru kwazvo, wakapfuurira kumatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.
- 15 Nokuti hatina mupristi mukuru asingagoni kunzwiswa tsitsi neutera hwedu, asi wakaedzwa pazvinhu zvese sesu, asina chivi.
- 16 Naizvozvo ngatiswederei nekushinga kuchigaro cheushe chenyasha, kuti tigamuchire tsitsi, tiwane nyasha, tibatsirwe panguva yakafanira.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.