-
1 Peter 3
- 1 Saizvozvo vakadzi, muzviise pasi pevarume venyu pachenyu; kuti kanawo vamwe vasingateereri kushoko, vawanikwe nemafambiro evakadzi pasina shoko,
- 2 vachiona mafambiro enyu akachena pakutya.
- 3 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze kwekuruka vhudzi nekwekupfeka goridhe, kana kupfeka nguvo;
- 4 asi ngakuve munhu wakavanzika wemoyo, pachinhu chisingaori chemweya munyoro wakanyarara, anokosha zvikuru pamberi paMwari.
- 5 Nokuti karewo vakazvishongedza saizvozvo vakadzi vatsvene vaivimba naMwari, vachizviisa pasi pevarume vavo pachavo;
- 6 saSara akateerera Abhurahama akamuidza ishe; vakunda vake vamuri imwi, kana muchiita zvakanaka, uye musingatyiswi nechipi nechipi chinovhundusa.
- 7 Saizvozvo varume, garisanai nevakadzi venyu zvinoenderana neruzivo, muchikudza mukadzi sekumudziyo usina simba, sevadyiwo venhaka yenyasha dzeupenyu pamwe navo; kuti minyengetero yenyu irege kudzivirirwa.
- 8 Pakupedzisirawo, ivai nemoyo umwe mese, muchinzwirana tsitsi, mude hama, muve nemoyo munyoro, mune rudo;
- 9 musingatsivi chakaipa nechakaipa, kana kutuka nekutuka; asi pachinzvimbo chaizvozvo muchiropafadze, muchiziva kuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yeropafadzo.
- 10 Nokuti uyo anoda kuda upenyu, nekuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake kuti irege kutaura kunyengera.
- 11 Ngaatsauke pane zvakaipa ndokuita zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevere.
- 12 Nokuti meso aIshe ari pamusoro pevakarurama, nenzeve dzake pamunyengetero wavo. Asi chiso chaIshe chinopikisa vanoita zvakaipa.
- 13 Zvino ndiani achakukuvadzai, kana muri vatevedzeri vezvakanaka?
- 14 Asi kunyange kana imwi muchitambudzika nekuda kwekururama, makaropafadzwa; uye musatya kutyisa kwavo, kana kuvhiringidzwa;
- 15 asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo yenyu; mugare makazvigadzirira kupindura umwe neumwe anokubvunzai chikonzero chetariro iri mukati menyu, neunyoro nekutya;
- 16 mune hana yakanaka, kuti pavanokucherai sevaiti vezvakaipa vanyare, ivo vanotuka mafambiro enyu akanaka muna Kristu.
- 17 Nokuti zviri nani kutambudzika muchiita zvakanaka, kana chido chaMwari chichida, pane muchiita zvakaipa.
- 18 Nokuti Kristuwo wakatambudzika kamwe nekuda kwezvivi, iye wakarurama pachinzvimbo chevasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; aurawa zvirokwazvo panyama, asi wakararamiswa neMweya;
- 19 mauri wakaendawo akaparidzira kumweya iri mutirongo,
- 20 iyo yaimbova isingateereri, apo moyo murefu waMwari uchimirira, pamazuva aNowa apo areka ichagadzirwa, kukaponeswa mairi vashoma, ndiko kuti mweya misere nemvura.
- 21 Mufananidzo wayo rubhabhatidzo rwunotiponesawo ikozvino, kwete kubviswa kwetsvina yenyama, asi kukumbira kwehana yakanaka kuna Mwari kubudikidza nekumukazve kwaJesu Kristu,
- 22 ari kuruoko rwerudyi rwaMwari aenda kudenga; vatumwa neumambo nemasimba zvaiswa pasi pake.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.