-
Matthew 3
- 1 Pamazuva iwayo kwakauya Johwani Mubhabhatidzi, achiparidza murenje reJudhiya,
- 2 uye achiti: Tendeukai; nokuti ushe hwematenga hwaswedera.
- 3 Nokuti uyu ndiye wakarehwa nezvake naIsaya muporofita, achiti: Inzwi reanodanidzira murenje: Gadzirirai mugwagwa waIshe, ruramisai nzira dzake.
- 4 Uyuwo Johwani waiva nechipfeko chake chemakushe ekamera nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake; nekudya kwake kwaiva mhashu neuchi hwedondo.
- 5 Zvino kwakabudira kwaari Jerusarema neJudhiya rese nedunhu rese rakapoteredza Joridhani;
- 6 ndokubhabhatidzwa naye muna Joridhani vachireurura zvivi zvavo.
- 7 Asi wakati achiona vazhinji veVaFarisi neVaSadhusi vachiuya kurubhabhatidzo rwake akati kwavari: Zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakuratidzirai kuti mutize hasha dzinouya?
- 8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.
- 9 Uye musafunga kutaura mukati menyu muchiti: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anokwanisa kubva pamabwe aya kumutsira Abhurahama vana.
- 10 Uye ikozvinowo sanhu ratoiswa pamudzi wemiti, naizvozvo muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa ugokandirwa mumoto.
- 11 Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendeuka; asi uyo anouya shure kwangu ane simba kupfuura ini, wandisina kufanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto.
- 12 Ane rusero rwuri muruoko rwake, uye achachenesa buriro rake kwazvo, ndokuunganidzira zviyo zvake mudura, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki.
- 13 Ipapo Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johwani, kuti abhabhatidzwe naye.
- 14 Asi Johwani wakamurambidza achiti: Ini kunodikanwa kuti ndibhabhatidzwe nemwi, asi imwi mouya kwandiri?
- 15 Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda ikozvino, nokuti saizvozvo zvakatifanira kuti tizadzise kururama kwese. Ipapo akamutendera.
- 16 Asi Jesu, wakati abhabhatidzwa, akakwira pakarepo achibva mumvura; zvino tarira, matenga akamuzarukira, ndokuona Mweya waMwari achiburuka senjiva, achiuya pamusoro pake.
- 17 Zvino tarira, inzwi richibva kumatenga richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.