-
2 Timothy 2
- 1 Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu.
- 2 Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe.
- 3 Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waJesu Kristu.
- 4 Hakuna munhu anobata semurwi anozvipinganidza nezviitiko zveupenyu, kuti afadze uyo wakamupinza basa.
- 5 Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo.
- 6 Murimi anobata zvakasimba anofanira kutanga kugamuchira zvibereko.
- 7 Fungisisa zvandinoreva; uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvese.
- 8 Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, wembeu yaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu;
- 9 yandinotambudzika mairi zvakaipa, kusvikira pazvisungo, semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa.
- 10 Saka ndinotsungirira zvinhu zvese nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi.
- 11 Shoko iri rakatendeka; nokuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye.
- 12 Kana tikatsungirira, tichatongawo pamwe naye; kana tikamuramba, naiye achatiramba.
- 13 Kana tisingatendeki, iye anoramba akatendeka; iye haagoni kuzviramba.
- 14 Uvarangaridze zvinhu izvi, uchirairisa pamberi paIshe kusapikisa pamashoko kusingabatsiri chinhu asi kutsausa vanonzwa.
- 15 Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
- 16 Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusatya Mwari,
- 17 neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayosi naFiretosi;
- 18 ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwatovapo, vachipidigura rutendo rwevamwe.
- 19 Kunyange zvakadaro nheyo yaMwari inomira yakasimba, ine mucherechedzo uyu: Ishe anoziva vari vake, uye kuti: Umwe neumwe anoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama.
- 20 Asi muimba huru hamuna midziyo yegoridhe neyesirivheri chete, asiwo yematanda neyevhu, uye imwe ndeyekukudzwa asi imwe ndeyekusakudzwa.
- 21 Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, achava mudziyo wekukudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa basa rese rakanaka.
- 22 Tizawo kuchiva kweudiki, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena.
- 23 Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kurwa.
- 24 Zvino muranda waIshe haafaniri kurwa, asi ave munyoro kune vese, anoziva kudzidzisa, ane moyo murefu,
- 25 anoraira neunyoro avo vanozvipikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeukira kuruzivo rwechokwadi,
- 26 uye vapengenuke kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavakange vakabatwa naye pakuda kwake.
-
World English Bible (web)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file

Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.